Midlands inopemberera zuva rekuwana kuzvitonga


19 Apr 24

Click here to watch video

Dunhu reMidlands musi wa18 Kubvumbi 2024 rapemberera zuva rekuwana kuzvitonga kwenyika ino, mugungano raungana vazhinji munhandare yeMbizo muguta reKwekwe.

Gurukota rinotungamira dunhu reMidlands vaOwen Ncube ndivo vakanga vari munyarikani anoremekedzwa, ndivo zvakare vakaverenga mashoko akakosha emutungamiri wenyika.

Zimbabwe gore rino inopemberera makore makumi mana nemana ekuzvitonga .

Mumashoko akaverengwa mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakavimbisa kuti hurumende yavo icharamba ichisimbaradza zvirongwa zvekusimudzira upenyu hweveruzhinji.

Mutungamiri wenyika vasimbisa kuti veruzhinji vanofanira kucherechedza nekurangarira mabasa makuru akaitwa nevarwi vehondo yerusununguko.

VaMnangagwa vakati kuti kunyange hazvo gore rino nyika yakatarisana nenzara yakakura ,asi hurumende yavo ine hurongwa huchaita kuti pasave neachashaya zvekudya.

Vakatiwo pane zvirongwa zvekusimudzira madiridziro egorosi gore rino.

Hurumende yavo yakaunza mari itsva ye Zimbabwe Gold iyo iri kutarisirwa kuti ichange inesimba sezvo ichitsigirwa negoridhe

Nyaya dzekugadziriswa kwemigwagwa,nekuvandudzwa kwemabasa emaoko muzvikoro zvepamusoro pamwe nemasaisai ndezvimwe zvirongwa zvirikusimudzirwa nehurumende yavo.

VaMnangagwa vakayambira avo vanoroodza vana ,vakati ivo vachabatwa nemutemo.

Gore rinouya ra2025 mhemberero dziri kutarisirwa kuzoitirwa mudunhu reMidlands.